Nahum 1

1Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peNinevhe

2Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva;
Jehovha anotsiva uye azere nehasha.
Jehovha anotsiva kuvavengi vake
uye anochengetera vavengi vake hasha dzake.
3Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru;
Jehovha haangasiye ane mhosva asina kurangwa.
Nzira yake iri muchamupupuri nedutu,
uye makore ndiwo guruva retsoka dzake.
4Anotuka gungwa agoriomesa;
anoita kuti nzizi dzose dziome.
Bhashani neKarimeri zvasvava
uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera.
5Makomo anodengenyeka pamberi pake
uye zvikomo zvinonyungudika.
Nyika inodedera pamberi pake,
nyika uye navose vanogara mairi.
6Ndiani angadzivisa hasha dzake?
Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa?
Hasha dzake dzadururwa somoto;
matombo apwanyika pamberi pake.
7Jehovha akanaka,
utiziro panguva dzokutambudzika.
Anochengeta avo vanovimba naye,
8asi namafashamu ane simba guru,
achaparadza Ninevhe;
achateverera vavengi vake kusvikira murima.

9Zvose zvavakaronga pamusoro paJehovha
iye achazviparadza;
dambudziko haringauyi kechipiri.
10Vachakorokodzwa pakati peminzwa
uye vachadhakwa newaini yavo;
vachaparadzwa samashanga akaoma.
11Kubva mauri, iwe Ninevhe,
pane mumwe akabuda anoronga zvakaipa pamusoro paJehovha
uye anopa zano rakaipa.
12Zvanzi naJehovha:

“Kunyange vane vabatsiri uye vakawanda,
vachaurayiwa vakasazovapozve.
Kunyange ndakakutambudza, iwe Judha,
handichazokutambudzazve.
13Zvino ndichavhuna joko ravo kubva pamutsipa wako
uye ndichadambura ngetani dzako.”

14Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti,
“Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako.
Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa,
zviri mutemberi yavamwari vako.
Ndichachera guva rako,
nokuti iwe wakaipa kwazvo.”

15Tarira, pamakomo apo,
tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka,
anoparidza rugare!
Pemberera mitambo yako, iwe Judha,
uye uzadzise mhiko dzako.
Vakaipa havachakurwisazve;
vachaparadzwa zvachose.
Copyright information for SnaBDSC